Kurima
Kurima (farming) zvinoreva mabasa anoitwa kuchengeta mhuka dzakapfuyiwa uye kudyara nekukohwa mbesa. Kurima kunosanganisira kukama mukaka wemhuka dzakapfuyiwa, kucheka vhudzi remhuka dzakadai sehwayi; kusarura mukono unoberekesa nzvari; kusarura mbeu dzakanaka dzokudyara zvichingodaro.
Munyika zhinji dzeAfrica kurima ndihwo hushangazhi hune vanhu vakanyanya kuwanda vanoshandamo.
MuZimbabwe vanhu vazhinji vari kumaruwa vanoita mabasa ekurima. Vazhinji vanopfuya mhuka dzinosanganisira mombe; mbudzi; hwayi; huku; njiva; hanga; nguruve nedzimwewo. Kuminda vanodyara mbeu dzinosanganisira; chibage; donje; fodya; nzungu; nyimo; mbambaira nezvimwewo.
Madzinde anorimwa muvhu achizokohwewa kuti adyiwe kana kushandiswa nevanhu anonzi mbesa - crop of any kind. Panodyarurwa fodya kana muriwo, madzinde acho madiki ari kudyarurwa anonzi mbesanwa kana kuti nhondo.
Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]
- Kurima (to till, to plough) apa kureva kutimba negejo.
- Kuparura zvinoreva kuvamba kurima gombo kugadzirira kudyara mbambaira.
- Kusevura, kuparura kana kuseza (to clear land for planting a garden). Museza izita remhuri.
- Nhondo dzefodya dzinosimwa pamihomba. Apa kusima kunoreva kudyara chinhu changa chamera uchisima paunoda kuti chizokurira.
- Kusimika kana kudzimika (to plant firmly).
- Kukavira (to plant seeds which are not broadcast e.g. beans and maize) kutaura kudyara mbeu nenzira yekukandira mukakomba uchifushira nevhu rinokavirwa mukakomba makare - iyi naira yasiyana nekukusha.
- Gwerekwete kana magwerekwete (Good farmer) kureva murimi anogona kurima.